John 1:50 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuʋona munyasi momuʋonde here? Ucazoʋona ɀikuru kunaiɀoɀi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati, “Unotenda nokuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pomuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvozvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akamupindura achiti, “Watenda pamusana pezvandati ndakuona uri pasi pomukuyu uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akapindura, akati kwaari, “Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuona munyasi momuonde here? Uchazoona zvikuru kuna izvozvi.”
Shona 2009?
Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri, ndakakuvona munyasi momuvonde here? Uchavona zvinhu zvikuru kunaizvozvi.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akapindura, akati kwaari, “Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuona munyasi momuonde here? Uchazoona zvikuru kuna izvozvi.”