John 10:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unoti kana aciʋona ɓere riciʋuya, unosiya makwai, ndokutiza; ɓere rinoabvuta, nokuaparadza;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza;
Shona 2009?
Asi muranda, usati ari mufudzi, makwai asati ari ake, unovona bere richivuya, akasiya makwai, ndokutiza; bere rinoabata, nokuparadzira makwai;
Shona SUB 2002 Bible
Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza;