John 10:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomunhu uŋganditorera ibgo; asi ndinobgurasha ndimene. Ndinesimba rokubgurasha, ʋuye ndinesimba rokubgutora ɀe. Uyu murairo ndakaupiwa naƂaɓa ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hapana anonditorera, kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu. Ndinesimba rokuhuparadza uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare. Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa nababa vangu.”
Shona 2009?
Hakuna munhu ungabwutora kubva kwandiri; asi ndinobwuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rokubwuradzika pasi, uye ndine simba rokubwutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kunababa vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murairo ndakaupiwa nababa vangu.”