John 10:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaJuda ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Ucatiʋetsa kuȿikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tiʋudze pacena.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka vaJudha vakamuunganira vakamuti, “Unoda kuti timirire kusvikira riniko? Kana uriwe Mesia tiudze pachena.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari, “Uchatinetsa kusvikira ripiko? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.”
Shona 2009?
Zvino vaJudha vakavuya vakamukomba, vakati kwaari: Uchatikahadzikisa kusvikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tivudze pachena.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari, “Uchatinetsa kusvikira rinhiko? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.”