John 10:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Murindi womukoʋa unomuzarurira iye, makwai anonzwa inzwi rake, unoɗana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Murindi womusuo anomuzarurira iye, makwai anonzwa izwi rake, anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze.
Shona 2009?
Murindi womukova unomuzarurira iye, namakwai anonzwa inzwi rake, uye unodana makwai ake nezita rawo, nokuakokera kunze.
Shona SUB 2002 Bible
Murindi womusuwo anomuzarurira iye, makwai anonzwa izwi rake, anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze.