John 10:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi kana ndiciaita, kunyaŋge musiŋganditendi ini, tendai maɓasa, mugoziʋa nokuziʋisisa, kuti Ƃaɓa ʋari mandiri, neni ndiri munaƂaɓa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana ndichiaita kunyange zvenyu musingatendi mandiri tendai mabasa kuti muzive uye munzwisise kuti Baba vari mandiri uye kuti Ini ndiri muna Baba.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi kana ndichiaita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa, mugoziva nokunzwisisa, kuti baba vari mandiri, neni ndiri muna baba.”
Shona 2009?
Asi kana ndichi\add a\add*ita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa; kuti mugoziva nokutenda kuti Baba \add vari\add* mandiri, neni mavari.
Shona SUB 2002 Bible
asi kana ndichiaita, kunyangwe musinganditendi ini, tendai mabasa, mugoziva nokunzwisisa, kuti Baba vari mandiri, neni ndiri muna Baba.”