John 10:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana aɓuɗisa makwai ake ose, unoatuŋgamirira; makwai anomuteʋera, nokuti anoziʋa inzwi rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana abudisa makwai ake ose, anoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva izwi rake.
Shona 2009?
Kana abudisa makwai ake, unoatungamirira; namakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.
Shona SUB 2002 Bible
Kana abudisa makwai ake ose, anoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva izwi rake.