John 10:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Johane haana‐kuita ciratidzo, asi ɀose ɀakareʋa Johane pamsoro poyuyu ndeɀaɀokwaɗi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakawanda vakauya kwaari. Vakati, “Johani haana zvake kuita zvishamiso asi zvose zvakataurwa naJohani nezvomunhu uyu ndezvechokwadi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vazhinji vakauya kwaari, vakati, “Johani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johani pamusoro pouyu ndezvechokwadi.”
Shona 2009?
Zvino vazhinji vakavuya kwaari, vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johwani pamusoro pomunhu uyu zvaiva zvechokwadi.
Shona SUB 2002 Bible
Vazhinji vakauya kwaari, vakati, “Johani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johani pamusoro pouyu ndezvechokwadi.”