John 11:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati areʋa iɀoɀo, akandoɗana Maria, munuŋuna wake, akati kwaari ʋari ʋoga: Mudzidzisi waȿika, unokuɗana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi munun'una wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakataura izvi akaenda akadaidza munun'una wake Maria chinyararire achiti, “Mudzidzisi ari pano uye anokudana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati areva izvovo, akandodana Maria, munun'una wake, akati kwaari vari voga, “Mudzidzisi asvika, anokudana.”
Shona 2009?
Wakati areva izvozvo akabuda akandodana Maria, munun'una wake pchivande, akati: Mudzidzisi wasvika, unokudana.
Shona SUB 2002 Bible
Akati areva izvovo, akandodana Maria, munun'una wake, akati kwaari vari voga, “Mudzidzisi asvika, anokudana.”