John 11:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaJuda, ʋakaŋga ʋari mumba naye ʋacimuɓata ruʋoko, ʋakati ʋaciʋona Maria acikurumidza kusimuka aciɓuɗa, ʋakamuteʋera, ʋaciti, unoenda kubgiro kundocema’ko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vaJudha vakanga vaina Maria mumba vachimubata maoko, pavakamuona achisimuka nokukurumidza achibuda vakamutevera vachifunga kuti avakuenda kuguva kundochemako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruoko, vakati vachiona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako.
Shona 2009?
Naizvozvo vaJudha vakanga vari mumba naye vachimunyaradza, vakati vachivona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruoko, vakati vachiona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kuhwiro kundochemako.