John 11:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Maria wakati aciȿika kunaJesu, acimuʋona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maria paakasvika paiva naJesu akamuona akawira pasi patsoka dzake achiti, “Tenzi dai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Maria akati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
Shona 2009?
Zvino Maria wakati achisvika pakanga panaJesu, achimuvona, akawira pasi patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Maria akati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”