John 11:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati acimuʋona acicema, naʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya naye, ʋacicema ʋo, akafa neshuŋgu mumŋeya, akatambudzika,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakamuona achichema uye vaJudha vaakauya navo vachichemawo, akashungurudzwa mwoyo akatambudzika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika,
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati achimuvona achichema, navaJudha vachichemavo vakanga vavuya naye, akagomera \add neshungu\add* mumweya, akatambudzika,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika,