John 11:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati: Bvisai ibge! Marta, hanɀadzi yowakafa, akati kwaari: Ishe, wotonhuwa ɀino, nokuti waʋa namazuʋa manna okufa kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuwa, nokuti atova mazuva mana arimo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Marita, hanzvadzi yomufi, yakati kwaari, “Tenzi paari otonhuhwa nokuti atova namazuva mana akafa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati, “Bvisai ibwe!” Marita, hanzvadzi yoakafa, akati kwaari, “Ishe, otonhuwa zvino, nokuti ava namazuva mana okufa kwake.”
Shona 2009?
Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yowakafa akati kwaari: Ishe, ikozvino wotonhuhwa, nokuti unamazuva mana.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati, “Bvisai ibwe!” Marita, hanzvadzi yoakafa, akati kwaari, “Ishe, otonhuwa zvino, nokuti ava namazuva mana okufa kwake.”