John 11:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu wakati aɀinzwa, akati: Kurwara uku hakuzi kwokufa, asi kuti Mŋari akudzwe, noMŋanakomana waMŋari akudzwe ʋo naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nembiri yaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakazvinzwa akati, “Kurwara uku hakupereri murufu, ndekwekuratidza mbiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati azvinzwa, akati, “Kurwara uku hakusi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwewo nazvo.”
Shona 2009?
Jesu wakati anzwa akati: Kurwara uku hakusviki murufu, asi ndokwembiri yaMwari, kuti noMwanakomana waMwari arumbidzwe nazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati azvinzwa, akati, “Kurwara uku hakusi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwewo nazvo.”