John 11:44 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaŋga afa akaɓuɗa, akapombga makumbo namaʋoko nemiceka yobgiro, neciso cake cakapombga nomuceka. Jesu akati kwaʋari: Mumusunuŋgurei, aende.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu akafa uye akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva uye mumurege aende.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mufi akabva abuda maoko ake namakumbo akamoneredzwa netumicheka uso hwake hwakanga hwakaputirwa nejira. Jesu akavati, “Musunungurei aende.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akanga afa akabuda, akapombwa makumbo namaoko nemicheka yomubwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Musunungurei, aende.”
Shona 2009?
Zvino uyo wakanga afa akabuda, akapombwa mavoko namakumbo nemicheka yebwiro, nechiso chake chakapombwa netauro, Jesu akati kwavari: Musunungurei, aende.
Shona SUB 2002 Bible
Akanga afa akabuda, akapombwa makumbo namaoko nemicheka yomuhwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Musunungurei, aende.”