John 11:48 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana tikamurega aciɗaro, ʋanhu ʋose ʋacatenda kwaari; naʋaRoma ʋacaʋuya ʋakatitorera nɀimbo yeɗu norudzi rweɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana tikamurega achienderera mberi saizvozvi, munhu wose achatenda kwaari, uye vaRoma vachauya vakatitorera zvose nzvimbo yedu norudzi rwedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tikamurega achidaro vose vachatenda maari, vaRoma vachauya vakaparadza Temberi iyi nerudzi rwedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachauya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.”
Shona 2009?
Kana tikamurega akadaro, vose vachatenda kwaari; navaRoma vachavuya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.
Shona SUB 2002 Bible
Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachauya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.”