John 11:55 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paseka yaʋaJuda yakaŋga yaʋa pedyo, ʋanhu ʋazhinji ʋenyika iyo ʋakakwira Jerusarema, paseka isati yaȿika, kuti ʋaɀinatse.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pasika yavaJudha yakati yoswedera, vazhinji vaibva munyika iyo vakakwira kuJerusarema kuti vandozvinatsa pasika isati yasvika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo Pasika yavaJudha yakanga yava kusvika saka vanhu vazhinji vaibva kumaruwa vachikwira kuJerusaremu pasika isati yasvika vachindozvichenura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusaremu, Pasika isati yasvika, kuti vazvinatse.
Shona 2009?
Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo; vanhu vazhinji vakabuda munyika iyo vakakwira Jerusarema paseka isati yasvika, kuti vazvinatse.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusaremu, Pasika isati yasvika, kuti vazvinatse.