John 11:56 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakatȿaka Jesu, ʋakataurirana ʋamire mutembere, ʋaciti: Munoti kuɗiniko? Munoti haaŋgaʋuyi kumutambo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaramba vachitsvaka Jesu, uye pavakanga vamire mutemberi, vakabvunzana vakati, “Munofungeiko? Haasi kuzouya kumutambo here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaitsvaka Jesu vachitaurirana vamire muTemberi vachiti, “Munofungei nhaimi? Angarege here kuuya kuzuva guru.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutemberi, vachiti, “Munoti kudiniko? Munoti haangauyi kumutambo here?”
Shona 2009?
Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, \add vachiti\add*: Munofungeiko? Kuti haangavuyi kumutambo here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutemberi, vachiti, “Munoti kudiniko? Munoti haangauyi kumutambo here?”