John 11:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Rabi, ʋaJuda ʋakaŋga ʋacikutȿakai ikoɀino, kuti ʋakutakei namabge; ɀino moenda ɀe ikoko here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadzidzi vake vakamuti, “Rabhi vaJudha vaida kutokutakai namabwe, ko zvino modzokerazve here ikoko?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadzidzi vakati kwaari, “Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moendazve ikoko here?”
Shona 2009?
Vadzidzi vakati kwaari: Mudzidzisi, vaJudha vakanga vachitsvaka kukutakai namabwe ikozvinozvino; zvino moendazve ikoko here?
Shona SUB 2002 Bible
Vadzidzi vakati kwaari, “Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai iko zvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moendazve ikoko here?”