John 12:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mazuʋa matanhatu paseka icigere kuȿika, Jesu wakaȿika Betania, paiʋa naRazaro, wakaɗeya kumutswa naJesu kuʋakafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwakati kwasara mazuva matanhatu kuti Pasika isvike, Jesu akasvika paBhetani, kuya kwaigara Razaro, uyo akanga amutswa naJesu kubva kuvakafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mazuva matanhatu ePasika asati asvika Jesu akaenda kuBhetania kwaiva naRazaro waakanga amutsa muvafi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mazuva matanhatu Pasika ichigere kusvika, Jesu akasvika Bhetania, paiva naRazaro, wakadeya kumutswa naJesu kuvakafa.
Shona 2009?
Zvino mazuva matanhatu paseka ichigere kusvika, Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro, wakanga afa, waakamutsa kuvakafa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mazuva matanhatu Pasika ichigere kusvika, Jesu akasvika Bhetania, paiva naRazaro, wakadeya kumutswa naJesu kuvakafa.