John 12:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako unoʋuya, agere pamsoro pemhuru yemboŋgoro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Usatya iwe Mwanasikana weZioni; tarira, mambo wako ari kuuya, akagara pamusoro pomwana wembongoro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Usatye zvako iwe mukunda weZioni, tarisa uone mambo wako ari kuuya akatasva pachigondora chedhongi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako anouya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.”
Shona 2009?
Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako unovuya, agere pamusoro pedhongwana.
Shona SUB 2002 Bible
“Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako anouya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.”