John 12:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋadzidzi ʋake haʋana‐kunzwisisa iɀoɀi pakutaŋga; asi Jesu wakati akudzwa, ʋakazoraŋgarira, kuti iɀoɀo ɀakaŋga ɀanyorwa pamsoro pake, ʋuye kuti ʋakaŋga ʋamuitira iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu akudzwa, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakutanga vadzidzi vake, izvi havana kuzvinzwisisa. Asi Jesu paakawana mukurumbira wake ndopavakayeuka kuti izvi zvakambenge zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvakanga zvaitika kwaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu akati akudzwa, vakazoyeuka, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vamuitira izvozvo.
Shona 2009?
Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, vakazorangarira kuti zvinhu izvozvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakanga vamuitira zvinhu izvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu akati akudzwa, vakazoyeuka, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vamuitira izvozvo.