John 12:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa naye pakuɗana kwake Razaro kuti abve mubgiro, nokumumutsa kuʋakafa, ʋakapupura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikwata chavanhu chakanga chinaye paakadaidza Razaro muguva akamumutsa muvafi, chakamupupurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura.
Shona 2009?
Naizvozvo chaunga chikuru chaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abude mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, chakapupura,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve muhwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura.