John 12:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakamupindura, ʋakati: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu ucagara nokusiŋgaperi; ɀino moreʋa seiko imi, kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Uyu Mŋanakomana womunhu ndianiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vazhinji vakati, “Isu takanzwa kubva paMurayiro kuti Kristu achagara nokusingaperi, saka munoreva sei muchiti, ‘Mwanakomana anofanira kusimudzwa’? Ndianiko uyu ‘Mwanakomana woMunhu’?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gungano rakamupindura richiti, “Isu takanzwa muMutemo kuti Mesia achagara nokusingaperi. Ko zvino ungati sei Mwanakomana womunhu anofanira kuti asimudzwe. Ndianiko Mwanakomana womunhu iyeyo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vakati, “Isu takanzwa pamurayiro kuti Kristu uchagara aokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?”
Shona 2009?
Zvino chaunga chakamupindura, chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nokusingaperi; zvino moreva seiko imwi, kuti Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Ndianiko uyu Mwanakomana womunhu?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vakati, “Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?”