John 12:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haana‐kureʋa iɀoɀo kuri kuti wakaraŋgarira ʋarombo, asi nokuti waiʋa mbava; waigara necikwama, acisiɓa ɀaiiswa’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi haana kureva izvozvo kuri kuti akarangarira varombo, asi nokuti aiva mbavha; aigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.
Shona 2009?
wakareva izvozvi kwete kuti wakarangarira varombo, asi nokuti waiva mbavha; waigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi haana kureva izvozvo kuri kuti akarangarira varombo, asi nokuti aiva mbavha; aigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.