John 12:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋokuʋaJuda ʋakanzwa kuti uri’po; ʋakaʋuya, asi haʋana‐ kuʋuya nokuɗa kwaJesu ɓedzi, asi kuti ʋaʋone ʋo Razaro, waakaŋga amutsa kuʋakafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gungano guru ravaJudha parakanzwa kuti Jesu akanga ariko rakauya kwete pamusana paJesu chete asi kuzoonawo Razaro waakanga amutsa kuvafi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vazhinji-zhinji vokuvaJudha vakanzwa kuti aripo; vakauya, asi havana kuuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vaonewo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa.
Shona 2009?
Zvino chaunga chikuru chavaJudha chakanzwa kuti uripo; vakavuya, asi havana kuvuya nokuda kwaJesu chete, asi kuti vavone Razarovo, waakanga amutsa kuvakafa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vazhinji zhinji vokuvaJudha vakanzwa kuti aripo; vakauya, asi havana kuuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vaonewo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa.