John 13:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutambo wepaseka usati waȿika, Jesu wakaziʋa kuti ŋguʋa yake yaȿika, kuti abve munyika ino, aende kunaƂaɓa, ɀaakaŋga aiɗa ʋanhu ʋake ʋaiʋa munyika, wakaʋaɗa kuȿikira pakuguma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zuva rePasika risati rasvika Jesu akaziva kuti nguva yake yokusiya pasi achienda kuna Baba yakanga yasvika. Akada vake vakanga vari pasi pano akavada zvokupedzerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutambo wePasika usati wasvika, Jesu akaziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kuna baba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, akavada kusvikira pakuguma.
Shona 2009?
Zvino mutambo wepaseka usati wasvika, Jesu woziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, ada vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mutambo wePasika usati wasvika, Jesu akaziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, akavada kusvikira pakuguma.