John 13:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa muʋiri wose, unofanira kwoga kuti ashambidzwe tsoka dzake, ɀino wanaka kwaɀo; imi makanaka, asi hamuzi mose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akamuti, “Munhu anenge ashamba muviri haana chaanofanira kushambazve kusiya tsoka dzake bedzi nokuti anenge akachena muviri wose. Imi makachena asi kwete mose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Akashambidzwa muviri wose, anofanira woga kuti ashambidzwe tsoka dzake, zvino wanaka kwazvo; imi makanaka, asi hamusi mose.”
Shona 2009?
Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu asi kushamba tsoka chete, asi wakachena iye wose; imwi makachena asi kwete mose.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Akashambidzwa muviri wose, anofanira woga kuti ashambidzwe tsoka dzake, zvino wanaka kwazvo; imi makanaka, asi hamusi mose.”