John 13:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kunashe wake, ʋuye wakatumŋa mukuru kunowakamutuma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri mushandi haasi mukuru kupfuura waanoshandira kana anotumwa pane anomutuma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa mukuru kune akamutuma.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna She wake, uye wakatumwa \add haazi\add* mukuru kuno wakamutuma.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa mukuru kune akamutuma.