John 13:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
handireʋi imi mose; ini ndinoziʋa aʋo ʋandakasanaŋgura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti: Unodya ciŋgwa caŋgu, wakandisimudzira citsitsinho cake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Handirevi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuzorwa neni.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handisi kureva mose; ndinoziva ini vandakasarudza kuti vanhui, uku kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “ ‘Wandinodya naye mundiro akandimukira.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanangura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti, ‘Anodya chingwa changu, akandisimudzira chitsitsinho chake.’
Shona 2009?
Handirevi imwi mose; ini ndinoziva avo vandakasanagura; asi kuti rugwaro ruzadzisike, \add runoti\add*: Uyo unodya chingwa neni, wakandisimudzira chitsitsinho chake.
Shona SUB 2002 Bible
“Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanangura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti, ‘Anodya chingwa changu, akandisimudzira chitsitsinho chake.’