John 13:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋorayira, Diaborosi atoisa mumŋoyo maJudasi Iskarioti, mŋanakomana waSimoni, kuti amupandukire;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kudya kwamadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumwoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, pfungwa yokuti apandukire Jesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvavakanga vari pakudya kwamauro Dhiabhori akanga atoisa muna Judhasi Isikarioti, mwana waSimoni pfungwa yokumupandukira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati voravira, Dhiabhori atoisa mumwoyo maJudhasi Isikarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire;
Shona 2009?
Zvino kuraira kwakati kwapera, Dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amupandukire,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati voravira, Dhiabhori atoisa mumwoyo maJudhasi Isikarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire;