John 13:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati areʋa kuɗaro, akamanikidzwa mumŋeya, akapupura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri, mumŋe wenyu ucandipandukira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakataura izvi akashushikana mumwoyo akadura pachena achiti, “Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri mumwe wenyu achandipandukira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.”
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati areva kudaro akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchanditengesa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.”