John 13:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe waʋadzidzi ʋake wakaŋga akasendamira pacifuʋa caJesu, waiɗikanwa naJesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe wavadzidzi vake wapamwoyo akanga akazembera pachipfuva chaJesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe wavadzidzi vake akanga akasendamira pachipfuva chaJesu, aidikanwa naJesu.
Shona 2009?
Zvino kwakanga kwakasendama pachifuva chaJesu mumwe wavadzidzi vake waidikamwa naJesu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe wavadzidzi vake akanga akasendamira pachipfuva chaJesu, aidikanwa naJesu.