John 13:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jesu akapindura, akati: Ndiye wandicapa cimeɗu, kana ndaciseʋa. Ɀino wakati aseʋa cimeɗu, akacitora, akapa Judasi, mŋanakomana waSimoni Iskarioti.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akapindura achiti, “Ndouyo wandichapa musuva uyu ndauseva.” Saizvozvo akaseva musuva uya akaupa kuna Judhasi mwana waSimoni Isikarioti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jesu akapindura, akati, “Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva.” Zvino akati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti.
Shona 2009?
Ipapo Jesu akapindura akati: Ndiye wandichapa chimedu kana ndachiseva. Zvino wakati aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jesu akapindura, akati, “Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva.” Zvino akati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti.