John 13:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciti, Judasi ɀaaigara ane cikwama, kuti Jesu wakati kwaari: Teŋga ɀatinoɗa pamutambo; kana kuti ape ʋarombo cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vakafunga kuti, somunhu, aichengeta tsapo yemari Jesu aimutaurira kuti, “Enda undotenga zvatinoda pazuva guru kana kuti ape chimwe chinhu kuvarombo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara ane chikwama, kuti Jesu akati kwaari, “Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.”
Shona 2009?
Nokuti vamwe vakafunga \add kuti\add*, sezvo Judhasi aigara anechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoshandisa pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.
Shona SUB 2002 Bible
Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara ane chikwama, kuti Jesu akati kwaari, “Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.”