John 13:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaɗuku, ndiciri nemi ciŋguʋa ciɗuku; mucanditȿaka, asi seɀandakareʋa kuʋaJuda, ndiciti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po, saiɀoɀo ɀino ndinoreʋa kwamuri ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vana vangu, ndichava nemi kwechinguva chiduku chete. Muchanditsvaka, uye sezvandaudza vaJudha, saizvozvo ndinokuudzai zvino kuti: Kwandinoenda, imi hamugoni kuuyako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanangu, ndichinemi kwechinguvana; muchanditsvaka, asi sezvandakataurira vaJudha, ndizvowo zvandinokutaurirai kwandirikuenda, imi hamukwanisi kuuyako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti, ‘Pandinoenda, imi hamungauyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuriwo.’
Shona 2009?
Vana vaduku, ndichiri nemwi chinguva chiduku. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, \add ndichiti\add*: kwandinoenda, imwi hamungagoni kuvuyako, zvino ndinoreva saizvozvovo kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti, ‘Pandinoenda, imi hamungauyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuriwo.’