John 13:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akaɗira mvura mumudziyo, akataŋga kushambidza tsoka dzaʋadzidzi ʋake, akadzipisika nomuceka, waakaŋga akaɀisuŋga nawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadira mvura mudhishi akatangisa kushambidza tsoka dzavadzidzi achidzipukuta netauro riya raakanga akazvimonera naro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipukuta nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.
Shona 2009?
Zvino akadira mvura mubhavhu, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi, akadzipusika netauro, raakanga akazvisunga naro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipukuta nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.