John 14:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hautendi here kuti ndiri munaƂaɓa naƂaɓa ʋari mandiri? Mashoko andinoreʋa kwamuri, handiareʋi pacaŋgu; asi Ƃaɓa, ʋanogara mandiri, ndiʋo ʋanoita maɓasa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamutendi here kuti ini ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri haasi angu ndoga. Asi, ndeaBaba, vanogara mandiri, avo vari kuita basa ravo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Haudaviri here kuti ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri. Zvandinotaura kwamuri hazvisi zvomusoro wangu asi kuti Baba vanogara mandiri ndivo vanenge vachiita mabasa avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hautendi here kuti ndiri muna baba nababa vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo.
Shona 2009?
Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
Shona SUB 2002 Bible
Hautendi here kuti ndiri muna Baba naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo.