John 14:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, maɓasa andinoita, iye ucaaita ʋo, ucaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaƂaɓa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita uye achaita mabasa akatokura kupinda aya nokuti ndava kuenda kuna Baba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye achaaitawo, achaita makuru kunaawa; nokuti ndinoenda kuna baba.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri mabasa andinoita, iye uchaaitavo, uchaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaBaba vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye achaaitawo, achaita makuru kunaawa; nokuti ndinoenda kuna Baba.