John 14:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwaŋgu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokusiirai rugare, ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kunoita nyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye ngairege kutya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.
Shona 2009?
Ndinokusiyirai rugare; rugare rwangu ndinokupai kwete sokupa kwenyika ini ndinopa kwamuri. Moyo yenyu irege kutambudzika, irege kutya.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.