John 14:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makanzwa kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigodzokera ɀe kwamuri. Ƌai maindiɗa, muŋgaɗai maifara, nokuti ndinoenda kunaƂaɓa; nokuti Ƃaɓa ʋakuru kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Makandinzwa ndichiti, ‘Ndiri kuenda uye ndichadzokazve.’ Dai maindida maifara kuti ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kupfuura ini.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mandinzwa ndichiti kwamuri ndiri kuenda, ndichauyazve kwamuri. Dai muchindida mungadai matofara kwazvo kuti ndiri kuenda kuna Baba nokuti Baba vakuru kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makanzwa kuti ndakati kwamuri, ‘Ndinoenda, ndigodzokerazve kwamuri.’ Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kuna baba; nokuti baba vakuru kwandiri.
Shona 2009?
Makanzwa kuti ini ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigovuyazve kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati ndinoenda kunaBaba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.
Shona SUB 2002 Bible
Makanzwa kuti ndakati kwamuri, ‘Ndinoenda, ndigodzokerazve kwamuri.’ Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vakuru kwandiri.