John 14:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƌai makaŋga mucindiziʋa, muŋgaɗai maiziʋa ʋo Ƃaɓa ʋaŋgu; kubva ɀino munoʋaziʋa, makaʋaʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dai maindiziva chaizvo mugadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai maindiziva maizivawo Baba vangu asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dai makanga muchindiziva mungadai maizivawo baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.”
Shona 2009?
Dai makanga mandiziva ini, mungadai maizivavo Baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.
Shona SUB 2002 Bible
Dai makanga muchindiziva mungadai maizivawo Baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.”