John 14:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Ndakaʋa nemi ŋguʋa refu yakaɗai, ko hauzati wandiziʋa here, Firipo? Wandiʋona ini, waʋona Ƃaɓa; ɀino unoreʋa seiko, uciti: Tiratidzei Ƃaɓa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Firipi, haundizivi iwe here, kunyange ndanga ndiri pakati penyu kwenguva refu yakadai? Ani naani aona ini aona Baba. Unoreva seiko zvaunoti, ‘Tiratidzei Baba’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwaari, “Nhai Firipi, ko zvandagarazve nguva ndefu yakadai nemi, nanhasi wose haundizivi? Inga wani akaona ini akaona Baba. Zvino ungagoti seiko tiratidzei Baba?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hausati wandiziva here, Firipi? Andiona ini, aona baba; zvino unoreva seiko, uchiti, ‘Tiratidzei baba?’
Shona 2009?
Jesu akati kwaari: Ndakava nemwi nguva refu yakadai, ko hauzati wandiziva here, Firipi? Wandivona ini, wavona Baba; zvino unoreva seiko, \add uchiti\add*: Tiratidzei Baba?
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hausati wandiziva here, Firipi? Andiona ini, aona Baba; zvino unoreva seiko, uchiti, ‘Tiratidzei Baba?’