John 15:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Raŋgarirai shoko randakareʋa kwamuri, ndiciti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana ʋakanditambudza ini, ʋacakutambudzai nemi ʋo; kana ʋakaceŋgeta shoko raŋgu, ʋacaceŋgeta nerenyu ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzai nemiwo. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateerera kudzidzisa kwenyuwo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti, ‘Muranda haasi mukuru kuna ishe wake.’ Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta nerenyuwo.
Shona 2009?
Rangarirai shoko randakareva kwamuri: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaivo, kana vakachengeta shoko rangu nerenyuvo vachachengeta.
Shona SUB 2002 Bible
Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti, ‘Muranda haasi mukuru kuna ishe wake.’ Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta nerenyuwo.