John 15:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƌai ndisina‐kuʋuya, ndikataura naʋo, ʋaŋgaɗai ʋasineɀiʋi; asi ɀino haʋanepembedzo yeɀiʋi ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana pembedzo yechivi chavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chitadzo; asi mhosva yechitadzo ichocho hapana pavachainzvenge napo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dai ndisina kuuya, ndikataura navo, vangadai vasina zvivi; asi zvino havana pembedzo yezvivi zvavo.
Shona 2009?
Dai ndisina kuvuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi zvino havana manzvengero ezvivi zvavo.
Shona SUB 2002 Bible
Dai ndisina kuuya, ndikataura navo, vangadai vasina zvivi; asi zvino havana pembedzo yezvivi zvavo.