John 15:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƌai ndisina‐kuita pakati paʋo maɓasa asina‐kumboitwa nomumŋe munhu, ʋaŋgaɗai ʋasineɀiʋi; asi ɀino ʋakaʋona, nokundiʋeŋga ini naƂaɓa ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dai ndanga ndisina kuita pakati pavo zvisina kutongoitwa nomunhu, vangadai vasina mhosva yechivi. Asi zvino vakaona zviratidzo izvi, asi vakandivenga ini naBaba vangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai ndisina kumboita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nani nani zvake, vangadai vasina chitadzo. Asi zvino vakaaona vakabva vatovenga ini pamwechete naBaba vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakaona, nokundivenga ini nababa vangu.
Shona 2009?
Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakavona ndokuvenga zvose ini naBaba vangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakaona, nokundivenga ini naBaba vangu.