John 16:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana aȿika, iye Mŋeya waɀokwaɗi, ucakutuŋgamirirai muɀokwaɗi yose; nokuti haaŋgatauri ɀake, asi ɀaakanzwa, ndiɀo ɀaacataura, ʋuye ucakuparidzirai ɀinoʋuya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana Mweya wechokwadi auya achakutungamirirai muchokwadi chose, nokuti anenge asingatauri zvomusoro wake. Zvaanenge anzwa ndizvo zvaanotaura; achakutaurirai zvinhu zvichauya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi kana asvika, iye Mweya wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, uye achakuparidzirai zvinouya.
Shona 2009?
Asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, uchakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvomusoro wake, asi choga choga chaakanzwa uchachitaura, uye uchakuvudzai zvinovuya.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi kana asvika, iye Mweya wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, uye achakuparidzirai zvinouya.