John 16:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa iro hamuŋgazondibvunzi cinhu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinot kwamuri: Ɀose ɀamuneŋge mucakumbira kunaƂaɓa, ʋacakupai iɀo muzita raŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo hapana chamunozombondibvunza; idi chaizvo ndinoti kwamuri, kana mukakumbira chii zvacho kuna Baba muzita rangu vachakupai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna baba, vachakupai izvo muzita rangu.
Shona 2009?
Zvino nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kunaBaba muzita rangu vachakupai.
Shona SUB 2002 Bible
“Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna Baba, vachakupai izvo muzita rangu.