John 16:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iɀi ndakataura kwamuri nemifananidzo, ŋguʋa inoʋuya yandisiŋgazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndicakuparidzirai pacena ɀaƂaɓa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kunyange ndanga ndichitaura nomufananidzo, nguva inouya yandisingazotauri nemifananidzo, asi ndichakuudzai pachena pamusoro paBaba vangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndanga ndichitaura izvi kwamuri namadimikira nguva iri kuuya yandinenge ndisingazotauri kwamuri namadimikira yandinenge ndokutaurirai zviri pachena nezvaBaba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inouya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzira pachena zvababa.
Shona 2009?
Zvinhu izvi ndataura kwamuri nemifananidzo, nguva inovuya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuvudzai pachena zvaBaba;
Shona SUB 2002 Bible
“Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inouya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzira pachena zvaBaba.