John 16:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa iro mucakumbira muzita raŋgu; handikuʋudziyi, kuti ndicakunyeŋgeterera ini kunaƂaɓa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro, muchakumbira muzita rangu. Handisi kuti ndichakumbira Baba panzvimbo yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva iroro muchakumbira muzita rangu; handiti kwamuri ndichakukumbirirai kuna Baba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuudzii, kuti ndichakunyengeterera ini kuna baba;
Shona 2009?
Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuvudziyi, kuti ndichakukumbirirai kunaBaba;
Shona SUB 2002 Bible
“Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuudzii, kuti ndichakunyengeterera ini kuna Baba;